Skip to main content

Icon

Ma icon anoshandiswa muma bhatani kuti mabhatani aya aonekerewo zvakanaka kana kuti panzvimbo yekunyora mukati me bhatani, wobva wangoisa icon kuti bhatani rako riite ridiki Ukatarisa mu application ye ShonaScript, pane bhatani raunobaya kana wapedza kunyora code, rine icon re play kureva kuti Dhaga kana ShonaScript ngaichitanga kushandisa code yako. Taigona kubvisa icon iyi, tobva tanyora mukati mebhatani iri kuti chitanga seizvi:

Ndabvisa icon pa bhatani repa application ye ShonaScript ndikabva ndaisa mashoko kuti ungoone zvinoitika. Bhatani rinobva ratora nzvimbo yakawanda, saka kana uine mabhatani akawanda, anogona kutadza kukwana paunenge uchimaisa, saka ndopanozodawo ma icon.

Kana uchiumba icon, unoshandisa ic-. Maumbirwo e icon akasiyana ne box kana bhatani. Icon inopihwa zvinhu 3: nhamba, color, ne size. Unonyora seizvi:

ic-2-red-2

Apa unenge uchitora icon iripanhamba 2 kubva pa 286 ma icons ari pazasi apa, woipa color ye red, woipa size ye 2.

Zvekuita
  • Tarisa nhamba ye icon yakafanana neiri mu application yeshonascript pazasi apa
  • Umba bhatani ine color ye #008080, oisa icon iyoyo oipa color yewhite.
  • Chibvisa makona bhatani rifanane neriri mu application ye ShonaScript
chii chikuitika apa
  • Tagadzira bhatani rakakura kr-2, rakafara kf-2, tobva tabvisa makona nesize yekupedzisira kuti bhatani iri riite circle.
  • Tazogadzira rimwe bhatani pazasi rakafanana neraunoshandisa kudzokera kunonyora code.

Unogona kuisa icon pamwe chete nemashoko mubhatani

Sezvambotsanangurwa kumashure, mabhatani ako haana zvaanoshanda panguva ino nekuti hauna kunyora code yeShonaScript inoita kuti ashande. Izvi uchazozviona kumberi kune topic yacho ye ShonaScript ne Dhaga.

icons - 286#

0
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66
67
68
69
70
71
72
73
74
75
76
77
78
79
80
81
82
83
84
85
86
87
88
89
90
91
92
93
94
95
96
97
98
99
100
101
102
103
104
105
106
107
108
109
110
111
112
113
114
115
116
117
118
119
120
121
122
123
124
125
126
127
128
129
130
131
132
133
134
135
136
137
138
139
140
141
142
143
144
145
146
147
148
149
150
151
152
153
154
155
156
157
158
159
160
161
162
163
164
165
166
167
168
169
170
171
172
173
174
175
176
177
178
179
180
181
182
183
184
185
186
187
188
189
190
191
192
193
194
195
196
197
198
199
200
201
202
203
204
205
206
207
208
209
210
211
212
213
214
215
216
217
218
219
220
221
222
223
224
225
226
227
228
229
230
231
232
233
234
235
236
237
238
239
240
241
242
243
244
245
246
247
248
249
250
251
252
253
254
255
256
257
258
259
260
261
262
263
264
265
266
267
268
269
270
271
272
273
274
275
276
277
278
279
280
281
282
283
284
285