Skip to main content

Box

Ma shapes, ma pictures, nezvimwe zvakawanda zvaunoona pama website zvinenge zviri muma box. Tichashandisa website ye Econet kuti tione kuti ma box arikutaurwa akaita sei. Picture iri ku left iri kuratidza website ye Econet semaonero aunoita iwewe kana ukaendapo uchishandisa phone yako. Picture iri kuright iri kuratidza ma box akashandiswa kugadzira website iyi. Uchazoziva zvakawanda zvine chekuita nema box aya kana ukaramba uchiverenga.

disclaimer: ShonaScript doesn't own this image; credits: Econet Homepage


Color ye Box#

Zvataona kuti website inogadzirwa nema box, taakuda kuumbawo website yedu ne Dhaga, tobva taisa box rinooneka pa website iyoyo.

box:;
chii chikuitika apa?
  • Tagadzira box, tobva tavhura box racho na :, tobva tazorivhara na ;.
  • Box iri harina chinhu, apa tikuda kungoona kuti rakaita sei.
  • Ukanyora code iyi mu application wobva wabaya bhatani re play, panobuda peji rewhite risina chinhu.

Izvi zvinoitika nekuti box rawaisa pa peji ye website yako harina color. Tikuda kuchinja color ye box kuita green kuti rioneke box racho. Kuchinja color yebox, unoshandisa c- seizvi:

box c-green:;
chii chikuitika apa
  • Taumba box, tobva taudza Dhaga kuti color ye box iri ngaiite green.
  • Ma color mamwe aunogona kushandisa ndeanoti: red, green, blue, yellow, purple, black, white, gray. Panozoitawo mamwe ma color anosvika 1486 anoonekwa pa peji rekupedzisira anotanga na #
  • Ukatarisa ka box kedu aka, unoona kuti kakareba uye kakafara zvakangofanana, nemamwe mashoko, tiri kuti ka square.
Ko sei ka box aka kari ka diki, ko kana ndichida kuumba box rihombe ndinota sei

Size ye Box#

Pese paunoumba box ne Dhaga, rinotanga rakareba size 1 uye rakafara size 1. Ukatarisa pamusoro apa pataisa color ye box, tashandisa c-. Tikushandisa ma abbreviation kana kuti ma nicknames ezvinhu zve box kuti tisanetsekane pakunyora code yedu. Munhu anonzi Takudzwa anogona kupihwa nickname yekuti tk, kuti zviite nyore pakudaidza zita iri. Tichashandisa ma nickname akawanda pakuumba ma website ne Dhaga.

Kana uchida kuchinja kureba kwakaita box, unoshandisa nickname ya kureba kr-. Box rinotanga rakareba kr-1, zvichireva kuti kureba size 1 sezvambotaurwa kumashure. Kuchinja kufara kwakaita box, unoshandisa kf-, saka box rinotanga rakafara kf-1. Size yekufara kf- inobva pana 0 kuzvika pana 10.Size yekureba kr- haina magumo, asi unofana kuziva kuti haumboshandise ma nhamba akakurisa zvekusvika kuna ana kr-100. Unobvumidzwa kushandisa ma nhamba akaita se 1.5. 1,5 haabvumidzwe. Nemamwe mashoko, tiri kuti one point five anobvumidzwa, asi one comma five haabvumidzwe.

Zvekuita
  1. chinja kureba kuita 4
  2. chinja kufara kuita 3
  3. chinja color kuita purple

Ma Box akawanda#

Taona kuti unoumba box rimwe chete sei pamusoro apa, taakuda kuumba ma box 2 tobva taona kuti anobuda sei.

chii chikuitika apa
  • box ratagadzira pamusoro apa re purple richiripo
  • pazasi tazogadzira rimwe box rered
  • ukagadzira rimwe box pazasi, rinongoendawo pazasi perimwe box

Ikozvino tave kuziva kuumba ma box, tochinja color, kureba, ne kufara kwawo. Taakuda kugadzira flag yedu ye Zimbabwe

Flag ye Zimbabwe
  • gadzira flag ye Zimbabwe, asi chingogadzira ma line green, yellow, red, black, uchishandisa ma box.
  • Usaise triangle ne hungwe
Chii chikuitika apa
  • Tagadzira ma box 7 akafara size 10. Size 10 ndiyo yekupedzisira, ndosaka ma box aya akazara kubva ku left kwe screen kusvika kuright kwaro.
  • Handina kunyora kureba kr- nekuti ndikuda kuti kureba kwacho kuite size 1
    • sezvambotaurwa kumashure uku, ukasaisa kr-, kana kf-, box rako rinenge riine kr-1 kana kf-1

Zvinhu mu Box#

Pese patagadzira ma box kumashure tanga tisingaise chinhu mukati imomo. Taakuda kugadzira box, tobva taisa rimwe box mukati me box iroro.

Zvekuita
  • gadzira box rine zvinhi izvi:
    • color yaunoda
    • kf-3
    • kr-3
  • isa box mukati me box rawagadzira rine zvinhu izvi:
    • color yakasiyana
    • kf-2
    • kf-2
  • mu box remukati, isa mashoko ekuti dhaga
chii chikuitika apa
  • Taumba box hombe rine size kf-3 ne kr-3 ne c-green
  • Taisa box diki mukati me box rekutanga re c-red
    • Box iri rinoenda pakati pekureba kwakaita mubox mariri, uye rinenge rakarongwa ku left. Uchazoziva kumberi kuti unorongasei zvakasiyana neizvi.
  • Taisa mashoko mukati me box diki.
    • ukangonyora mashoko asinei nekuumba box, anongoonekwawo se mashoko anongobudawo pa website asina zvaari kuumba.
Size ye zvinhu mubox
  • Size ya zvinhu zviri mubox inofana kuita diki pane size ye box racho.
  • Kana uine box rakareba kf-3, obva waisa box mukati rakareba kf-4, box iri rinopfuurira, izvi zvinokanganisa kurongeka kwe website yako.
    • Tarisa picture iri pazasi apa uone zviri kutsanangurwa apa

Ma box 2 mukati me box#

Zvekuita
  • Umba box hombe
  • Chiisa ma box 2 mukati me box iri
chii chikuitika apa
  • Taumba box rihombe re blue rine kf-3 ne kr-3
  • Mu box re blue taisa ma box 2.
  • Mabox aya handina kumapa size zvichireva kuti ane kf-1 ne kr-1 ese
    • nekuti mabox ari mune rimwe box rihombe, anorongwa achibva ku left achienda kuright

Kuronga Zviri mu Box#

Unoshandisa rg- kuronga zvinhu zviri mubox. Ukasashandisa rg-, zvinhu zviri mubox zvinongrongwa zvakawandira ku left.

NicknameZvazvinorevaZvinoitika
rg-cronga centerzvese zvinoenda pakati
rg-lronga leftzvese zvinoenda kuleft
rg-rronga rightzvese zvinoenda kuright
rg-spronga spacezvinhu zviri mubox zvinopanana space yakaenzana
chii chikuitika apa
  • Taumba ma box 4 e blue ane mamwe ma box 2 e red ne yellow.
  • Taronga zviri mukati macho zvakasiyana siyana tichishandisa rg-l, rg-c, rg-r, na rg-sp

Size ye zviri mu Box#

Box rihombe rakafara size 3, kochii chinoitika kana size yekufara kwakaita ma box emukati iri hombe kudarika mu box maari?

chii chikuitika apa
  • box rihombe rine kf-3
  • ma box arimukati ane kf-2 ese, zvichireva kuti ukasanganisa kufara kwaakaita ese ari two, kf inobva yaita 4, asi 4 muhombe pana 3.
  • kana izvi zvaitika, dhaga inoedza kuronga zviri mukati me box, kuti chimwe chiende pa musoro, chimwe pazasi, zvingodaro
    • marongerwo arikuedza kuitwa apa ndeekuti kufara kwema box aya kukwane mu box rihombe iro

Zvataona kuti mabox ari mukati merimwe box anorongwa sei, taakudzokera kunogadzira mamwe ma flag. Tikuda kugadzira 2: ye Nigeria, neye France

Zvekuita
  • Gadzira flag ye Nigeria
  • Gadzira Flag ye France
chii chikuitika apa
  • tanyora kuti Flag ye Nigeria pa line 1, aya mashoko saka anongobuda akadaro pa website
  • Taumba box re white rine kf-9, tobva taisa ma box 3 mukati ane kf-3 rimwe ne rimwe. Tikasanganisa 3+3+3 tinowana 9, saka ma box aya ari 3, anobva angokwana achizadza box raari
  • kureba kwema box emukati tangoitawo kuti kufanane ne box raari

Kona ye Box#

Unokwanisa kubvisa makona e box kuti aite round uchishandisa kn-. Size yacho ya kn- inobva ku 0 kusvika ku 10. Kana uine box re square, kn-10 anoita kuti box re square riite circle

chii chikuitika apa
  • Taumba ma box ane size yakafanana nema color akasiyana
  • Tabvisa ma kona na kn- tichishandisa ma size akasiyana siyana
    • box rekupedzisira rabva ratoita circle nekuti tabvisa ma kona ese ne size yekupedzisira 10

Kubvisa ma kona ndizvo zvimwe zvandofarira kuita kana ndichigadzira ma website.


Mumvuri we box#

Ma website akawanda enguva ino anenge aine ma box nema bhatani ane mumvuri(shadow) anoita kunge akasimudzwa. Izvi zvinoita kuti website yako ibude zvakanaka ichiitawo kunge yakagadzirwa nguva ino, pane kuti iite kunge yakagadzirwa internet ichangotanga. Unoshandisa mv- kuisa mumvuri pabox. Size yemumvuri we box inotanga pa 0 kusvika pa 10.

chii chikuitika apa
  • taumba box rine size 4, re white
  • taisa mumvuri we size 6 pa box iri
    • zvinogona kusanyatsooneka zvakanaka pa picture iyi, asi ekatarisisa kumiganhu ye box iri unoona color inenge gray, ndiwo mumvuri wacho

Muganhu we box#

Unogona kuisa muganhu pa box wobva wachinja color yacho yemuganhu uchiedza kuda kuti box rako ribudewo zvakanaka. Kuisa muganhu unoshandisa mg-sz-, zvichireva kuti muganhu size. Size yemuganhu inobva pa 0 kusvika pa 10. Box rinotanga risina muganhu, zvireva kuti rinotanga riine mg-sz-0. Kana uchida kuchinja color yemuganhu, unoshandisa mg-c-, zvichireva kuti muganhu color

chii chikuitika apa
  • Taumba ma box 3 ane zvakasiyana siyana
  • Taisa miganhu pama box aya ine ma size akasiyana uye ma color akasiyana.

Tenderedza Box#

Unogona kutenderedza box kuti riite kakurereka zvichienderaka nezvaukuda kuona pa website yako. Unotenderedza box uchishandisa tn-.

chii chikuitika apa
  • Taumba box
  • Tatenderedza box iri ne angle ye size 1 Zvekutenderedza ma box hazvisi zvinhu zvine basa rakanyanya, asi uchazoona kumberi kuti unogona kushandisa sei uchigadzira website yako

Viga Box#

Unongona kuviga box kana uchishandisa v-. v-hongu anoita kuti box risaoneke nezvese zvinenge zviri mukati. v-kwete anoita kuti box rioneke. Izvi zvichazoita basa kana tave kushandisa ShonaScript ne Dhaga pamwe chete