Bhatani
Mabhatani
anoshandiswa kana uchida kuti chimwe chinhu chiitike mushure mekunge munhu abaya pa website
yako.
Mabhatani
anowanikwa pama website
akawanda uye muma application
anoshanda muphone yako.
Unoisa mabhatani uchishandisa bt
seizvi:
bt:;
Uchazoziva zvakawanda zvinonakidza zvema bhatani kana tave kushandisa ShonaScript
mu Dhaga
.ShonaScript
ndiyo ichange yaakuita kuti zvinhu zvichinje mushure mekunge munhu abaya bhatani pa website yako.
Hapana musiyano wakanyanya pakati pe box
ne bhatani
, asi chine basa ndechekuziva kuti box
rinoisirwa zvinhu zvese asi bhatani
rinoiswa mashoko kana icon
.
Uchazoona kuti ma icon
chii pa topic yema icon
.
Zvese zvaunokwanisa kuchinja pamamiriro e box
unokwanisa kuchinjawo pama miriro e bhatani
.
chii chikuitika apa
- Taumba
bhatani
tichishandisabt
- tachinja
color ye bhatani
,color yemashoko
,makona
,kufara
, nekureba
kwakaita sekuchinja kwatinongoita pabox
- tachinja
Bhatani
rako iri ukaribaya hapana zvinoitika nekuti harishande kana pasina code ye ShonaScript. Uchazoona kumberi kuti tinoshandisaShonaScript
muDhaga
sei
Mazuva ano mamwe mabhatani aunoona pama website kana pamaapplication anenge aine ma icon
, asina kunyorwa chinhu mukati.
Application ye ShonaScript ine mabhatani aunoshandisa aye kana wapedza kunyora code
, kana kuti waakudzokera kunonyora code
.
Ukamatarisa ma bhatani
aya, ane ma icon
asi haana kunyorwa chinhu mukati.
Tichaedza kumagadzira ma bhatani aya pane topic
iri kutevera