Skip to main content

Nyora

Not revised yet

Nyora Chii?#

Nyora i function yaunotuma kuita basa rekunyora zvinhu muterminal. Unozonzwisisa zvema function kana waverenga nezvawo kumberi, asi panguva ino chimbongoziva kuti ma function anoita basa raanenge atumwa.

Mashandisirwo a nyora()#

Chii chikuitika apa?๐Ÿคฏ

Nyora anotumwa zvekunyora zvacho zviri muma brackets (). Tichatarisa line rimwe ne rimwe tichiedza kunzwisisa kuti zvii zvikuitika. Ma line atiri kutaura ndiwo ariku left mu picture iri pamusoro apa

Tsananguro

Line 1

nyora("Hesi")

Apa nyora() apihwa mashoko ekunyora, mashoko acho ndi "Hesi". "Hesi" apa anotariswa ne computer semashoko nekuti akaiswa mumaquotes "". Kana computer ichinge yatumwa kunyora mashoko, inongonyora mashoko sezvaari. Saka Ukateedzera ma steps aya wega:

Zvekuita

Mu Application ye ShonaScript

  1. nyora kuti nyora("Hesi")
  2. baya bhatani re round riri pazasi pe screen

Kana kuti

Mu VS Code

  1. mu file rakanzi index.shona, nyora kuti nyora("Hesi")
  2. mu terminal nyora kuti node shona.js, wobaya enter
  3. mu terminal zvekare, nyora kuti node index.js, wobaya enter

Ukaita masteps aya zvakanaka, unofana kuona muterminal makanyorwa kuti

Hesi

Kana ukaona izvi, wagona kushandisa nyora()

Tsananguro

Line 2

nyora(2021)

Apa nyora apihwa nhamba yekunyora. Nhamba yacho ndi 2021.

Computer inozvinona sei kuti inhamba? Ko sei usina kuisa ma quotes kuti `nyora("2021")`?

Computer inozviona kuti i nhamba kana iri nhamba chaiyo isina kuiswa muma quotes"". Uchazonzwisisa tsananguro yema quotes ukaramba uchiverenga. Panguva ino dzokorora ma steps 3 ambotaurwa mu box re green pamusoro pana Ita, asi nyora kuti nyora(2021) panzvimbo ya nyora("Hesi"). Unofana kuona mu terminal makanzi:

2021

Line 4 na Line 5

zitaRangu = "Panashe"nyora(zitaRangu)

Apa tatanga nekugadzira variable. Kana usati waakunzwisisa kuti variable chii, unogona kuverenga nezvawo kumashure kune topic yema variable. Variable yagadzirwa apa ndi zitaRangu, ichibva yanzi ndi "Panashe". Unogona kubvisa pakanzi "Panashe", oisa zita rako riri muma quotes. Usasiye maquotes, nekuti hazvishande.

Izvi zvinoreva kuti tikazotuma computer kunotsvaga variable inonzi zitaRangu, inofana kudzoka na "Panashe". Saka pa line 5, takuudza computer kuti nyora(zitaRangu), ichaona kuti nyora() uye apihwa zvekunyora, asi zvekunyora zvacho hazvisi kuma quotes, saka haasi mashoko. Computer ichatarisa kuti kana asiri mashoko, saka i nhamba here? Kwete.

Saka zvaakureva kuti nyora apihwa variable. Variable ichatsvagwa kumashure kuti wamboigadzira here. Saka apa, hongu, waigadzira zitaRangu = "Panashe" pa line 4. Ukaita ma steps 3 aye ari mu box rakanzi Ita pamusoro apa, unofana kuona mu terminal makanzi:

Panashe

Bvisa pakanzi "Panashe" uise zita rako ๐Ÿ˜‚

Line 7

Sekutsanangurwa kwaitwa pana line 4 na line 5, apa nyora() apihwa zvekunyora, asi zvekunyora zvacho i variable. Computer ichatsvaga variable inonzi zitaRake kumusoro kwe code yako, yobva yaishaya. Saka ukada kudzokorora ma steps 3 aye ekumashure uku, uchona kuti pauchanyora mu terminal kuti node shona.js, uchanzi:

Paita problem, `zitaRake` haasi kuzivikanwa paline 7

Zvinobvumidzwa muna nyora()#

Saka zvii zvinobvumidzwa muma bracket a nyora().

Zvinobvumidzwa muma brackets
  1. mashoko
  • zvinhu zvese zvaiswa muma quotes chero zvisingareve chinhu zvinotariswa ne computer se mashoko saka zvinongonyorwa zvakadaro
  1. nhamba
  • nhamba inonyorwa iri one. Kuti nyora(20 21) hazviite nekuti 20 na 21 atove ma nhamba akasiyana ari 2. Uchazoona pazasi kuti kana uchida kunyora zvinhu zvakawanda uye zvakasiyana siyana muma brackets a nyora() unoita sei
  1. ma variables
  • kana usati waakunzwisisa kuti ma varibles chii, enda kumashure kune topic yema varables kuti ugonzwisisa

Kupa nyora() zvakawanda#

Ko kana uchida kuti nyora() anyore zvakawanda, unoita sei?

Kunyora zvakawanda kwatiri kutaura apa ndiko kutuma nyora() kuti anyore zvakawana panguva imwe chete. Ngatimboti iwewe ukuda kuti nyora() anyore ma nhamba 2. Manhamba acho ndi 2021 na 2022, unonyora sei?

Chii chikuitika apa? ๐Ÿคฏ

Tsananguro

Kana uchida kuti nyora() anyore zvakawanda, unoisa ma comma, pakati pezvinhu zvacho zvaukuda kuti anyore;

Line 1

nyora(2021,2022)

Apa, nyora() apihwa zvinhu 2; nhamba 2021 na nhamba 2022. Pakati pema nhamba aya pane ma comma, zvichireva kuti ukuudza computer kuti 2021 na 2022 ma nhamba akasiyana.

Ukasaisa comma, Ukanyora kuti

nyora(2021 2022)

Computer ichatadza kunzwisisa kuti 2021 2022 chii, nekuti haisi nhamba, mashoko, kana variable. Saka ichakuudza kuti paita problem

Line 2 na Line 3

Apa tatanga nekugadzira variable inonzi zitaRangu. Saka paline 5, ukupa nyora() zvinhu 2:

  1. mashoko ekuti "Inini ndinonzi "
  2. variable inonzi zitaRangu. Ukaita ma steps 3 aye ekumashure emu terminal, unoona mu terminal makanzi:
Inini ndinonzi Panashe

Tumira message kuwhatsapp kana ku facebook kana uchida kubatsirwa.