Mhinduro
Izvi zvinoshanda mu VS Code kana kuti mu Dhaga
Kana ukushandisa application ye ShonaScript, jamba topic iyi, unozoiona ku
Unogona kuda kunyora code
inoita kuti munhu apindure mu terminal
, sokuti unogona kuda kuti munhu anyore zita rake mu terminal
, iwewe wozotora zita iroro oita zvaunoda naro zvakaita seku mhoresa munhu iyeye. Tarisa pazasi apa, uone kuti izvi zvinotwa sei:
Kuita izvi, tinoshandisa zvinhu 2:
teerera mhinduro _
tora mhinduro _ {
Chii chikuitika apa?🤯
Tsananguro
Line 1
teerera mhinduro zita
Tiri kuudza computer
kuti iteerere zvichanyorwa mu terminal
. Kana yateerera zvichanyorwa, ichabva yagadzira variable
inonzi zita
. zita
apa ndizvo zvese zvichanyorwa mu terminal
.
Kubva pa line 3
kuzvika pa line 5
Apa taakuudza computer
kuti tora mhinduro yanyorwa mu terminal
ine variable rekuti zita
, obva wa nyora
kuti "Hesi ", zita
Ita
Nyora code
iyoyi mu index.shona
, wochiita izvi:
mu
terminal
, nyora kuti:node shona.js
wobayaenter
mu
terminal
, nyora kuti:node index.js
wobayaenter
mhinduro: zita:
Izvi zvinoreva kuti computer
yakamirira iwewe kuti unyore zita
rako kana chero rimwe zita
raukuda kunyora, mobva wabaya enter
.
Ukaita izvi, uchaona mu terminal
makanzi:
Ukaita izvi, ukanyora muterminal zita racho, unofana kuona mu terminal
makanzi
Hesi (zita rawanyora iwewe)
#
Waakushanda kuzvitupa zvekareTakambokupa basa
rekuudza vanhu vauya kuzotora zvitupa kuti vaende ku Office kunotora chitupa kana
vaine makore 16 zvienda mberi, kana kuti vaende kumba kana
vaine makore 15 zvichidzika mutopic ye enzaniso. Patanyora code
yezvitupa, takagadzira variable
inonzi makoreEmunhu
tikabva taipa makore acho iri nhamba
. Kana wakanganwa, tarisa pazasi apa code
yacho yese yatakanyora
Chiita uchishandisa mhinduro
Apa taakuda kunyora code
iyi zvekare, asi ikozvino pane kuti ugadzire variable yekuti makoreEmunhu
sezvawakaita pa enzaniso
, uchagadzira variable iyoyo uchishandisa teerera mhinduro
seizvi:
teerera mhinduro makoreEMunhu
computer
ichamirira kuti makore emunhu anyorwe mu terminal
, iwewe wobva watora mhinduro iyoyo ochishandisa code
iri kubva paline 4
kusvika pa line 8
mu picture iri pamusoro apo. Kana wapedza, code yako inofana kuita seizvi:
Ita
Nyora code
iyoyi mu index.shona
, wochiita izvi:
mu
terminal
, nyora kuti:node shona.js
wobayaenter
mu
terminal
, nyora kuti:node index.js
wobayaenter
mhinduro: makoreEMunhu:
Izvi zvinoreva kuti computer
yakamirira iwewe kuti unyore makoreEmunhu
. Saka nyora kuti nhamba
yemakore acho, wobva wabaya enter
.
Ukanyora nhamba
iri pasi pa 16 sokuti 12, muterminal
munofana kunyora kuti:
Uchiri mudiki, unozodzoka waane makore 16
Asi ukanyorawo nhamba
iri pamusoro pa 16 sokuti 21, muterminal
munofana kunyorwa kuti:
Enda ku Office kunotora chitupa